Enzo Ishall - Vakamhanya Makarimwa Lyrics

Lyrics Vakamhanya Makarimwa - Enzo Ishall



Ita handidi kunzi ndiri shasha
Ukazvikudza wakuvapa hasha
Chiteerera, nenyasha
Tarisisa usati wanyongosha
Vakapikisa vakamhanya makarimwa
Ndakaona vadzoka varamwa
Pakati pemazino hapasi pekutambira
Unotozongorumwa
Pavakapikisa vakamhanya makarimwa
Ndakaona vadzoka varamwa
Hanzi pakati pemazino, pemazino
Vakakurirwa neruchiva
Nzira kwayanga iri vaikuziva
Hana dzavo kana kumborova
Kusina mukoti hakuna mukova
Chizvininipisa wotozvinyorova
Ohh vakazongosangana nazvo
Zvavaitarisira zvakanga zvisirizvo
Pakanga pasina kwavari kuenda
Bva vasurrender.
Vambopikisa vakamhanya makarimwa
Ndakaona vadzoka varamwa
Pakati pemazino hapasi pekutambira
Unotozongorumwa
Pavakapikisa vakamhanya makarimwa
Ndakaona vadzoka varamwa
Hanzi pakati pemazino, pemazino
Shuwa kupedzera minondo kumakondo
Apa vanga vakatarisana nehondo
Pasi rino ngatizive tiri varendo
Tisazvivimbise makorokoto enhando
Ukaiteera mhepo yavhuvhuta
Hauregere uchangogara uchingonyunyuta
Pavakapepuka varasika, vaneta
Changu chirauro handina kupeta
Vakapikisa vakamhanya makarimwa
Ndakaona vadzoka varamwa
Pakati pemazino hapasi pekutambira
Unotozongorumwa
Pavakapikisa vakamhanya makarimwa
Ndakaona vadzoka varamwa
Hanzi pakati pemazino, pemazino
Unobvunza Passion Java
Vakamhanya vachidonha
Ko inga vaiti vanozvigona
Takanga tiripo, takazviona
Inzwa Shona.
Ita handidi kunzi ndiri shasha
Ukazvikudza wakuvapa hasha
Chiteerera, nenyasha
Tarisisa usati wanyongosha
Variko vakapikisa vakamhanya makarimwa
Ndakaona vadzoka varamwa
Pakati pemazino hapasi pekutambira
Unotozongorumwa
Pavakapikisa vakamhanya makarimwa
Ndakaona vadzoka varamwa
Hanzi pakati pemazino, pemazino



Writer(s): Enzo Ishall


Enzo Ishall - Vakamhanya Makarimwa - Single
Album Vakamhanya Makarimwa - Single
date of release
13-09-2020




Attention! Feel free to leave feedback.