Jah Prayzah - Kwayedza Lyrics

Lyrics Kwayedza - Jah Prayzah



Wakandinzwa ndichinge nzombe kukuma
Zvikanzi shumba inga dzinoruma
Bereka makumbo tiende chikomanawe
Ko inga mabatiro akasiyana
Handingarire seshiri vakomana
Ko inga ndiri nhondo inofamba
Dzakatamba chembere dzikatirutsira
Yakange yangove mudhara achauya
Zadzisa mukombe tigoukutura
Tamuka ngoma rega kuibvarura
Yakanga yangove goto rine hwema
Tamuka ngoma rega kuibvarura
Kwayedza kwayedza iwe (aiwa aiwa)
Kwayedza kwayedza muzukuru (aiwa aiwa mukuruwe aiwa)
Kwayedza kwayedza mukuruwe (aiwa aiwa aiwa)
Kwayedza kwayedza muzukuru (aiwa aiwa mukuruwe aiwa)
Kunganzi chinja mutupo (aiwa)
Daira muzukuru (aiwa)
Unobvuma here? (aiwa aiwa mukuruwe aiwa)
Vakakuti chinja ruvara (aiwa)
Woita ganda jena (aiwa)
Aiwa unoda here? (aiwa aiwa mukuruwe aiwa)
Kuchiva rumwe rudzi hurema (aiwa)
Mwana wemutema (aiwa)
Ucharamba uri mutema (aiwa aiwa mukuruwe aiwa)
Kuchiva rumwe rudzi hurema (aiwa)
Mwana wemutema (aiwa)
Ucharamba uri mutema (aiwa mukuruwe aiwa)
Mukaona tupwere kudzanadzana yarira akomana
Mukaona tavamba kugamuchidza takashanda asikana
Mukaona tupwere kudzanadzana yarira akomana
Mukaona tatanga kugamuchidza takashanda asikana
Hanga yangu (hanga)
Ndakasungira dhibhura ndomene (hanga)
Hanga yangu (hanga)
Ndakanoteya dhibhura ndomene (hanga)
Hanga yangu (hanga)
Ndakasungira dhibhura ndomene (hanga)
Hanga yangu (hanga)
Ndakanoteya dhibura ndomene (hanga)
Kundipa museve usina uta
Ah wandivirimira
Ah mutema wakaoma
Ah mutema wakaoma
Kundipa museve usina uta
Ah wandivirimira
Ah mutema wakaoma
Ah mutema wakaoma
Wanditi mbwende wandionei?
Wandivirimira
Ah mutema wakaoma
Ah mutema wakaoma
Wanditi mbwende wandioneiko?
Wandivirimira
Ah mutema wakaoma
Ah mutema wakaoma
Kufamba kwangu mutserendende
Handinyenyerenyedze muberevere (ndinofamba ndega)
Ibvai munzira majerenyenze
Patinotsika mazerendende (ndinofamba ndega)
Rotochena moyo kuti ngwerewere (ndinofamba ndega)
Ndiani waita mhere mhere?
Kurwira nyama vane mavende (ndinofamba ndega)
Ndiani waita mhere mhere?
Pamusha pano
Kurwira nyama vane mavende (ndinofamba ndega)
Hanga yangu (hanga)
Ndakasungira dhibhura ndomene (hanga)
Hanga yangu (hanga)
Ndakanoteya dhibhura ndomene (hanga)
Hanga yangu (hanga)
Ndakasungira dhibhura ndomene (hanga)
Hanga yangu (hanga)
Ndakanoteya dhibhura ndomene (hanga)
Aiwa (aiwa)
Aiwa (aiwa)
Aiwa (aiwa aiwa mukuruwe aiwa)
Aiwa (aiwa)
Aiwa (aiwa)
Aiwa (aiwa aiwa mukuruwe aiwa)
Aiwa (aiwa)
Aiwa (aiwa)
Aiwa (aiwa aiwa mukuruwe aiwa)
Kuchiva rumwe rudzi hurema (aiwa)
Mwana wemutema (aiwa)
Ucharamba uri mutema (aiwa aiwa mukuruwe aiwa)
Kuchiva rumwe rudzi hurema (aiwa)
Mwana wemutema (aiwa)
Ucharamba uri mutema (aiwa aiwa mukuruwe aiwa)
Aiwa hunderendende (aiwa mukuruwe aiwa)
Aiwa hunderendende (aiwa)
Aiwa hunderendende (aiwa)
Aiwa hunderendende muzukuru (aiwa mukuruwe aiwa)



Writer(s): Mukudzeyi Mukombe


Jah Prayzah - Hokoyo
Album Hokoyo
date of release
19-05-2020




Attention! Feel free to leave feedback.