Trevor Dongo - Handisi Kumira Lyrics

Lyrics Handisi Kumira - Trevor Dongo



Ndaona chamupupuri, dudziro ndikashaya
Vakuruwe ndipeiwo tsanangudzo
Mhepo zvoyoda kukukura asi ichiri mbesa
Ndipeiwo tsanangudzo
Zvvinongoda kundinetesa, padiki pasara ndongopedzesa
Nhano mbiri ndodzasara
Pfungwa dzave kundipengesa makumbo ave kundinetesa, asi nyangwe zvodini
Ini handisi kumira
Chandinoda ndinoda inini ndichachiwana(ndichachiwana)
Ini handisi kumira
Kwandinoda inini ndichasvika chete(ndichasvika chete)
Vachida vasingade (×4)
Ukat wagaya zano, ringa nzira ufambe nayo
Usaore mwoyo oh
Akat zvakanaka(hazvisi zvako)
Akati budiriro(haisi yako)
Usamuterere yeh yeh
Zvinongoda kundinetesa, padiki pasara ndongopedzisa
Nhano mbiri ndodzasara, hona pfungwa dzopenga
Makumbo kuneta, nyangwe zvodini(asi nyangwe zvodini)
Ini handisi kumira
Chandinoda ndinoda inini ndichachiwana(ndichachiwana)
Ini handisi kumira
Kwandananga inini ndichasvika chete(ndichasvika chete)
(×2)
Vachida vasingade (×4)
Ndichabudirira
Vachida vasingade



Writer(s): Macdonald Chidavaenzi, Trevor Dongo


Trevor Dongo - Handisi Kumira
Album Handisi Kumira
date of release
02-05-2014




Attention! Feel free to leave feedback.