Seh Calaz - Dai Ndine Mari paroles de chanson

paroles de chanson Dai Ndine Mari - Seh Calaz



Ohh Mai ohh Mai (hey)
Ohh Mai ohh Mai (hey)
Izvezvi pane vakutotandadza
Nyama nemweya zvakutoparadzana
Zvaramba vatadza kuwirirana
Patonevamwewo vamirira mukana
Ndirikunzwa mhere panevarikuchema
Nherera dzasara murima
Aiwa haizi choice
Pane vasina kuona phase Kana voice
Asi imi mhamha muchiringorarama
Matove gogo vazukuru vaungana
Mwari vakuchengetai murarame
Rufu mhai musaripe mukana
Makabva neni kure
Aya ahasi mahumbwe
Pandaichema moti ehuhwe
Mairara nenzara ndigute
Mhamha Dai ndine Mari
Maizazo suffer zvakare
Ndaikuvakirai paHarare
Ndaikutengerai Ferrari
Mhamha Dai ndine Mari
Maizazo shanda zvakare
Mhamha dai eyii... Chandoda kuti mufare
Makandikoshera mhamha
Zvinhu zvinondifambira mhamha
Senge pamunondinamatira
Makomborero anodira
Amai muringirozi
Ngirozi inofamba paroad
Ngirozi yakadzika panyika
Yakauya kuzondivhumbamira
Amai murishamwari
Shamwari yangu yandinoudza zvese
Shamwari isingambondi Coste
Masecret angu isingambo maposte
Amai murishamwari
Shamwari inoti Nyangwe zvikaoma
Inoti mwana wangu iyeyeee
Monamata Mwari mumureverere
Nyangwe ndikaita mhondi
Nyangwe ndikaita mbavha chero pfambi
Munondimiririra muchiti mwana wangu iyeye
Ndiwowo moyo wekubereka
Nyangwe zvikanzi ndashoreka
Zvonorwadza Akabereka sekufirwa newawakabereka
Mhamha Dai ndine Mari
Maizazo suffer zvakare
Ndaikuvakirai paHarare
Ndaikutengerai Ferrari
Mhamha Dai ndine Mari
Maizazo shanda zvakare
Mhamha dai eyii... Chandinoda kuti mufare
Munamato wangu imi saMai vangu
Ambuya vevana vangu
Ndinoti Dai makomborerwa
Munamato wangu
Mwari inzwai
Komborerwai komborerwai
Komborerwai Komborerwai
Komborerwai Komborerwai
Amai
Komborerwai komborerwai
Komborerwai komborerwa
Komborerwai Komborerwai (Mr Chek Chek)
Mhamha Dai ndine Mari
Maizazo suffer zvakare
Ndaikuvakirai paHarare
Ndaikutengerai Ferrari
Mhamha Dai ndine Mari
Maizazo shanda zvakare
Mhamha dai eyii... Chandinoda kuti mufare
Mhamha Dai ndine Mari
Dai ndine gwalangwa
Dai ndine Shagi
Dai ndiri njoroma
Dai ndine Shagi
Dai ndiri rich




Seh Calaz - Seh Calaz @ 30
Album Seh Calaz @ 30
date de sortie
26-08-2020




Attention! N'hésitez pas à laisser des commentaires.