Audius Mtawarira - Chete текст песни

Текст песни Chete - Audius Mtawarira



Chero wakakurira kumusha
Uchinzi bhutsu hauna
Hembe dzakabvaruka
Pamwe akarerwa mukushupika
Mukubatanidza chero chero chinobatika ah
Hona aenda kumunda zvake
Badza pamwe ndiro richamupa zvinogutsa
Manje inguva chete, nguva chete
Kani mira uone uyu
Pane zvaachaitawo mmm
Kwaachaendawo
Mwari wake anomudawo
Kwazviri achazviwana
Mmm
Pamwe nhasi haana kudya
Chero kaiko hakuna kadiki kadiki hakuna
Vamwe vakakomborerwa chaizvo
Vanofamba vachidya piece, imwe piece vachirasa
Hazvina mhosva
Siiyai zvakadaro
Nguva yemumhu inosiyana zvakadaro
Muchamuona akusiyaiwo makadaro
Mira uone uyu
Pane zvaachaitawo mmm
Kwaachaendawo mmm
Mwari wake anomudawo
Pazviri achazviwana
Yeaaah
Anochiwana chinomufadza mumoyo make
Eeeyi haizi mari chete
Anopihwa zvinomufadza mumoyo make
Ooh
Pamwe ndiMwari chete
Rudo chete
Kugutsikana nehupenyu chete
Kana wamuwana waunoda chete
Kana watopihwa twako twuvana chete
Kupihwa kwese moyo wanaka (wanaka)
Kupihwa chero vachikuona uchifamba
Kupihwa kana unaro simba rekushanda
Haisi mari chete inopa zvinofamba
Ndi Mwari wako
Rudo chete
Chero pane munhu anongokuda chete
Chero wawana paunogara chete
Chero warega zvekubatata batata chete
Famba toone
Nekuti nzira ndeyako
Zveumwe siya ndezvake mmm
Mira uone uyu
Pane zvaachaitawo mmm (zvaachaitawo)
Kwaachaendawo (kwaachaendawo)
Mwari wake anomudawo (anomudawo)
Kwazviri achazviwana
Kupihwa kwese moyo wanaka (wanaka)
Kupihwa chero vachikuona uchifamba (uchifamba)
Kupihwa kana unaro simba rekushanda
Haisi mari chete inopa zvinofamba
Ndi Mwari chete
Rudo chete
Kana panemunhu anongokuda chete
Chero wawana paunogara chete
Kana warega zvekubatata batata chete
Famba toone (toone)
Nekuti nzira ndeyako
Zveumwe siya ndezvake
Famba toone, toone




Audius Mtawarira - House of Stones
Альбом House of Stones
дата релиза
01-01-2014



Внимание! Не стесняйтесь оставлять отзывы.