Lisayi - Madzikirira (feat. Willis Wataffi) Lyrics

Lyrics Madzikirira (feat. Willis Wataffi) - Lisayi




Matsika mafeso
Kudhonzwa nemombe kuita kunge gejo
Hamutsemure ngoma muchitema nembezo
Ngozi yawapara hauripe nembudzi
Svika husiku totanga nebvudzi
Tinodambura svika padhuze
Worimbinyuka haubude
Mugudza mopisa wafunga handiuye
Hungunjungunju wese nhasi unopera
Unogara uchisasisa nhasi unopera
Ndakatemerwa nyora unoziva ndopenga
Kubvira ndichikura ndogara muninga woo
Apinduka pinduka
Akudikitira achishinyira
Ndomabhindauko ekuga__ (nza)
Vanhu vowona vofunga wosvikirwa
Chitaka nhasi unochirutsa
Musambo moita wokufusha
Shuwa nhasi unondiguta
Unoshaya chete anokumutsa
Ingori hamburakwacha
Ndokutsika tsika nezidanda
Kusvika pano amakata
Nyama hobvu yakasimba sedamba
Angova madzikirira eh eh eh eh
Vanoswera vachingotsika tsika eh eh eh eh oh
Angova madzikirira eh eh eh eh
Vanoswera vachingotsika tsika eh eh eh eh oh
Atsikwa pakonzi asara neduzu yea
Mikono yasvika magoni avharika yea
Asara neduzu yea
Mikono yasvika magoni avharika yea
Gogogoi
Ndikuda Kuti ka nedzoi
Vakagwejenura vakapinda wangu
Hameno mushonga wechibhoi
Ndafuga makumbo ndapfigira goni
Ndarota mwana muvhitori
Ndakatsakatika muzviroto zvangu handina kuona ngirozi
Ndapfidza kunzwa kuti dzvii
Kuyedza kushevedzera pasi dhii
Zimhungu muhuro ndasvetwa muviri
Ndirimunzvimbo hombe inenge jiri
Mapfupa akatekeshera nezvishiri
Misoro yevanhu isina muviri
Hapana akunzwa izwi rangu pangu
Pengenu pengenu bhii
Woo
Zidende reropa mugate
Ndabva ndafungidzwa dande
Mubako rizere zvikwambo
Mawoko matumbu mugangoo
Mabhanan'ana anemheni
Achikuchidzira amakuseni
Bakatwa raiswa pahuro
Ndakachochoporwa nemusoro
Asara ne chibhononino
Woi yererere
Atsikwa pakonzi asara neduzu yea
Mikono yasvika magoni avharika yea
Asara neduzu yea
Mikono yasvika magoni avharika yea



Writer(s): Willis Wataffi


Lisayi - Madzikirira
Album Madzikirira
date of release
01-10-2022



Attention! Feel free to leave feedback.