Killer T - Rovai Makuva текст песни

Текст песни Rovai Makuva - Killer T

Pamusoroi vakuru woye
Ndauya ndine nyaya yandiinayo
Asi dzimwe nguva ndongochema
Ndashaya kana badza rekurima
Zvikanzi mhaka munoiziva
Ende zvinodiwa munozviziva
Endai munoti ndiri kuuya
Endai munoungana mugare pasi
Chembere dzekwedu ndidzo dzinoziva
Kubika doro nechivanhu chacho
Zvikanzi vakafa vanoona
Nekuti kune zvinhu zvinoyera
Vakanditi rovai makuva vanangu muyambuke vanangu we
Dzosai mudzimu mumusha menyu ikutarireiwo vanangu we
Dirai doro pasi murarame vanangu we
Yeukai kumashure kwamakabvawo vanangu we
Vakati itouyai nevakuru venyu
Ndivo vanochiziva chivanhu chenyu
Enda unovatsvaga vachiri vapenyu
Ndivo vanotungamira munzira dzenyu
Ndakavati nditumei shoko ndosvitsa
Ende mudzimu yako inokutarisa
Zvese zvamandituma inini ndoita
Kuti vanditungamire kwandinoenda
Asi inini vakanditi panodiwa mombe
Ende vana sekuru vanoda mukombe
Iyi uriwega haungaigone
Endai munoungana mutione
Vakanditi rovai makuva vanangu muyambuke vanangu we
Dzosai mudzimu mumusha ikutarireiwo vanangu we

Killer T - Mashoko Anopfuura
Альбом Mashoko Anopfuura
дата релиза
09-04-2018

Внимание! Не стесняйтесь оставлять отзывы.