3rinity feat. Tatenda Kwetemu - Wadiwa Lyrics

Lyrics Wadiwa - 3rinity feat. Tatenda Kwetemu



Wadiwa wepamwoyo, urikurarama?
Ndirikushuvira musi watichaonana,
Ndinorota tichifamba, maoko akabatana,
Ndimi dzerudo tichisasana,
Tichinotandara, pamushana, pamutamba, patakasangana,
Ndiwe uri muhana nemupfungwa dzakadzama,
Gadzikisa hama kuda mumwe handichada,
Misodzi yekufara pamatama patichaonana,
Nekumbundirana, mufananidzo wako ndikautarisa,
Ndipo pandinotanga kurangarira tigere paruware,
Zuva ronovira, ndichiridza mbira, uchindiimbira,
Ndakakuvimbisa ndichakuriritira, ndave kuchamhembe,
Asi ndinogadzirisa...
Asi ndorangarira, kufara kwedu,
Nguva iye, tirikumukwerera,
Asi ndorangarira (mhiko dzedu ndichakapfumbatira, haikona kundityira),
Chiso chiye,
Kunaka sengirozi (mhiko dzedu
Ndichakapfumbatira, haikona kundityira),
Uchindinyemwerera
Ndinogara ndichifunga, pandaikuperekedza kunochera mvura,
Une neshamwari dzako, ini nana Kevie,
Hanzvadzi yako yakanditaka nemabwe, ndikamhanya samare,
Zvisinei iye arisei? Wairesi yaakarayira ndakatenga, itarisirei,
Ndakawana basa asi kushanda hakusi nyore sezvandaifunga,
Ndofumobata jongwe, ndodzoka ranyura, makava ohukura,
Ndinenge ndopakura, zvinombindikunda,
Asi pandinofunga zvatinoda kuva ndoramba ndakatsunga,
Mhiko dzedu ndichakapfumbatira, haikona kundityira,
Mhiko dzedu ndichakapfumbatira, haikona kundityira...
Asi ndorangarira, kufara kwedu, nguva iye, tirikumukwerera,
Asi ndorangarira (mhiko dzedu ndichakapfumbatira, haikona kundityira),
Chiso chiye,
Kunaka sengirozi (mhiko dzedu
Ndichakapfumbatira, haikona kundityira),
Uchindinyemwerera



Writer(s): Rr


3rinity feat. Tatenda Kwetemu - Ini Iye, Naye
Album Ini Iye, Naye
date of release
29-01-2016

1 Wadiwa
2 Jesa



Attention! Feel free to leave feedback.