3rinity - Jesa Lyrics

Lyrics Jesa - 3rinity



Jesa
Paivepo kare kare pasi pasati parohwa nenyundo
Madhongi achinenyanga matombo ayinenzeve
Paive nemukomana ainzi Jesu
Jesu uyu akange ari nherera
Chaakanga ainacho yanga iri ngoma
Yakaasiirwa nemadziteteguru ake iri nhaka
Jesu aiti kana akaridza ngoma vanhu vaiungana vachitarisa
Mumwe musi akaridza ngoma
Zvakaburitsa vanhu muminda iringuva yechirimo
Mwanasikana wamambo ndokuuya pane vanhu vaye achida kuona kuti chii
Akabva atorwa moyo nemaridziro aitwa ngoma na Jesu
Iye Jesu paakaona runako rwemwanasikana akamuda
Vakaita chinguva vachisasana pasi pe mushubvu
Asi mambo paakazouya izvi haana kufara nazvo
Nekuti aiziva kuti mwanasikana wake aida kuroora murombo
Mambo uya ndokuurayisa mukomana uya Jesu
Jesu afa kudaro ndokukumbira
Musikavanhu kumukumbira kuti aida hake kudzoka
Aida kudzoka arishiri kuti agoonawo musikana wake
Zvikanzi nemusikavanhu ita
Jesu uye akabva adzoka achibva anomhara pamusoro pemushubvi
Vanikei pasi pemushubvi musikana uya uya arimubishi rekuchema
Kuchema mukomana wake mufi
Musikana uye akazoshamisika kunzwa shiri ine izwi remukomana wake
Ichimuimbira ichimunyaradza
Vhara maziso zvisarwadze
Haufaniri kuchema handivimbise kukupodza asi kana uchida ndichaedza
Ndichakuimbira nziyo zvakare hapachisina zvataiva zvazoguma
Chokwadi ndachishaya mauri waiwa mwedzi wechirimo waindipa zvandaida
Dai ukawana mufaro kwose kwauchaenda kwauchaenda kwauchaenda
Misodzi zvorwadza ndotadza kufara ndobaikana
Hana aiwa inzwa musikana taiva tose aiwa chose
Waiwa zvose chisikwa chemuhope hope ndoshaya
Kwenguya ichanaya kupanga mazuva aya tiritose taifara
Sara zvakanaka hana yangu bata bata
Mazwi angu zvinondirwadza pamuyo asi
Musikana akabva ati anzwa izvi remukomana
Wake akati haiwa ndiye mukomana wangu adzoka
Ndaizviziva ndotoenda naye nhasi musikana ndopaakatanga kuimba kuti
Nezuro pataifamba takataurirana pamusoro pekuvaka mhuri
Nekusazivaka kuti zvinhu zvichidai mafaro aivepo sei zvinhu zvichidai
Musikavanhu akanzwa Tsitsi ndokushandudza musikana uye kuita shiri
Kuti shiri dziye dzichaenda dzese
Waiwe mwedzi wechirimo
Waindipa zvandaida
Dai ukawana mufaro kwese kwauchaenda kwauchaenda kwauchaenda
Pose paunoona Jesu vari vaviri unofanira
Kuziva kuti ndiJesu nemwanasikana wamambo
Nemwanasikana kumushubvu
Apa ndipopakafa sarungano...



Writer(s): Rr


3rinity - Ini Iye, Naye
Album Ini Iye, Naye
date of release
29-01-2016

1 Wadiwa
2 Jesa



Attention! Feel free to leave feedback.