Jah Prayzah - Soja Rinosvika Kure Lyrics

Lyrics Soja Rinosvika Kure - Jah Prayzah

Varume sei muchitevera tsimba rangu?
Varume sei muchinokora tsoka yangu?
Munondikandira matombo munzira yangu
Munondicherera makomba munzira yangu
Kana ndakatadza mundiregerere
Kana ndakaresva mundikanganwire
Kana ndakatadza mundiregerere
Kana ndakaresva mundikanganwire
Ndiyo here nyaya yacho nhai vakuruwe
Zvamunonditarisa musingapindure
Munoda kuti nyembe dzangu ndidzikurure
Ndidzipe ani nhai vakuruwe
Ndiyo here nyaya yacho nhai vakuruwe
Zvamunonditarisa musingapindure
Munoda kuti nyembe dzangu ndidzikurure
Ndidzipe ani nhai vakuruwe
Havamborara mudzimba
Varikumwaya bute
Varikusosere minzwa munzira yangu, munzira yangu
Havamborara mudzimba
Varikumwaya bute
Varikusosere minzwa munzira yangu, munzira yangu
Havandishuvire rudo nerugare, kuti ndiro soja rinosvika kure
Ndiende kumaroro kure kure, ndizo here nhai vakuruwe
Havandishuvire rudo nerugare, kuti ndiro soja rinosvika kure
Ndiende kumaroro kure kure, ndizvo here nhai vakuruwe
Iri ndiro soja rinosvika kure (soja, soja rinosvika kure)
Iri ndiro soja rinosvika kure (soja rinosvika kure)
Iri ndiro soja rinoenda kure (soja, soja rinoenda kure)
Iri ndiro soja rinoenda kure (soja rinoenda kure)
Havamborara mudzimba
Varikumwaya bute
Varikusosere minzwa munzira yangu, munzira yangu
Havamborara mudzimba
Varikumwaya bute
Varikusosere minzwa munzira yangu, munzira yangu
Mhai munzira yangu, munzira yangu
Mhai munzira yangu hwee, munzira yangu
Mhai munzira yangu wooo, munzira yangu
Mhai munzira yangu hwee, munzira yangu
Ndiyani ndiyani akareba, anokwanisa kusimudza mureza?
Ndiyani ndiyaniko member, anokwanisa kumira ariega?
Tirikutsvaga chamagwiza, gamba risina anoperekedza
Anenjere shanu dzakarodzwa, dzinocheka kucheka kunge reza
Ndiro soja rinosvika kure (soja)
Soja rinosvika kure (soja rinosvika kure)
Iri ndiro soja rinoenda kure (soja, soja rinoenda kure)
Iri ndiro soja rinoenda kure (soja rinoenda kure)
Havamborara mudzimba
Varikumwaya bute
Varikusosere minzwa munzira yangu, munzira yangu
Havamborara mudzimba
Varikumwaya bute
Varikusosere minzwa munzira yangu, munzira yangu
Mhai munzira yangu, munzira yangu
Mhai munzira yangu wooo, munzira yangu
Mhai munzira yangu hwee, munzira yangu
Munzira yangu, munzira yangu

Writer(s): jah prayzah

Jah Prayzah - Kumbumura Mhute
Album Kumbumura Mhute
date of release
05-05-2014

Attention! Feel free to leave feedback.