Enzo Ishall - Gwati Lyrics

Lyrics Gwati - Enzo Ishall



Akanz vhara maziso uone magic
Achingovhara,akapihwa gwati rine poison
Kuita kuputika seatomic akatozoponera kuclinic
Ukamubvunza ndokurambira ndoitora nyoka mhenyu ndigokukandira
Ukada kubvunza munovengana
Munobva mapesana ooh(namai vangu ooh)
Haadi kuinzwa nyaya iyoyo
Usatomboibvunza nyaya iyoyo
Itosiyana nayo hako siyana nayo
Haachada kunzwa nezvayo iyo
Haadi kuinzwa nyaya iyoyo
Usatomboibvunza nyaya iyoyo itosiyana nayo hako siyana nayo
Gwati!rinovhura munhu kunge bhuku
Rinosunga dama kunge dhuku chiri chino-look
Zvekuty ndakatomboty istrock iri 1 chete kunge stock
Takawana atota mabhurukwa neweti
Mumwe akaty what! (Gwati rine kaThat)
Yatoty weti mhanya kutoilet iri Gwati ramubhendesa panga pari straight
Haadi kuinzwa nyaya iyoyo
Musatomboibvunza nyaya iyoyo
Itosiyana nayo hako siyana nayo
Haachada kunzwa nezvayo iyo
Haadi kuinzwa nyaya iyoyo
Usatomboibvunza nyaya iyoyo
Itosiyana nayo hako siyana nayo
Haachada kunzwa nezvayo iyo
Umwe akaty afenta umwe akaty afa
Kana maty afa takutomushafa
Rima ramugarira kuita kunge sofa anga akutorota ane mukadzi waPotipher
Dzakamuka pachiUndertaker handido kukunyepera ndakamboda kuseka
Ndakabva ndamuseka achinzi wanakirwa
Iye achity saq (Saq wazodonha semusika)
Mbaramatunya gwati rinosiya mhuno ichipoponya kunge
Mosiatunya aisaziva kuty kune anonyunya kuty kune anopedza musarinya
Haadi kuinzwa nyaya iyoyo
Usatomboibvunza nyaya iyoyo
Itosiyana nayo hako siyana nayo
Ukangomubvunza achidya anoty ndaguta
Nyangwe dziri dzaanofarira mbatata nemuto werwatata
Usashamisike achibuda dikita achipukuta
Ramukudumura senge ridhi pakubura
Ndakatomboty ibara richizomukwidibira adonhera pane neuko
Takamuzora sauti ndoinonzi Knockout knockout
Kwanz nebby rake ndakamboda kumubvunza akaburuka
Akaty endai henyu nechimota chenyu
Usamubvunza husiku anorara nebhutsuuu uyu
Haadi kuinzwa nyaya iyoyo
Usatomboibvunza nyaya iyoyo siyana nayo




Enzo Ishall - Gwati
Album Gwati
date of release
30-08-2019

1 Gwati




Attention! Feel free to leave feedback.