Oliver Mtukudzi - Chinhambwe Lyrics

Lyrics Chinhambwe - Oliver Mtukudzi



Pamusoroi
Soroi
Karwiyo
Karwiyo kanyoronyoro kanenge done
Kamuri kunwa kakanditsigira aka
Hatingati ndekekutukana
Kwete bodo tsvo ah ah
Asi kutoti kanotsiura
Kuti kana uri muyenzi
Iva muyenzi!
Hazvinei kuti kwawavhakacha
Muzukuru wako
Munun'una wako
Angave sahwira anoshoreka zvakadini
Ringave roja
Iwe uchibva sabhabha
Ukangova muyenzi
Chiva muyenzi!
Haikona yenyu iya iya
Yenyu iya iya yekuti katongero kunoita uri kwako
Ndokowoda kusvikoita pese pese
Zvino pano pari pangu
Tinoburana
Tomutsana
Kunyanya nyanya iyemi
Iyemi vemudhuze
Iyemi vehama
Ndimi munoti kana motaura
Mobva mange muri kudivi kwangu
Ko nhaiwe Tuku
Ivo vepanext door zvavanocheka hedge vachikanda marara kunoku
Munombogarisana sei
Ahhh
Ndozvawavinga?
Tomutsana
Toburana!
Vehamawe
Vehamawe
Musakanyane nemuvakidzani wangu
Kwamugere kure kure
Vehamawe
Vehamawe
Musakanyane nemuvakidzani wangu
Kwamugere kure kure
Chinouya chinoona inini
Wekupotera kumuvakidzani
Kwamugere kure kure
Chinouya chinoona inini
Mafuratira marova
Kwamugere kure kure
Chinhambwe
Musazvirove matundundu
Kushambadza wedu haanzwaro
Kwamugere kure kure
Musazvirove matundundu
Kushambadza wangu haanzwaro
Kwamugere kure kure
Chinhambwe
Vehamawe vehamawe
Musakanyane nevavakidzani wangu
Kwamugere kure kure



Writer(s): Oliver “tuku” Mtukudzi


Oliver Mtukudzi - Collection 1991-1997
Album Collection 1991-1997
date of release
04-10-2004




Attention! Feel free to leave feedback.