Oliver Mtukudzi - Pindirai Lyrics

Lyrics Pindirai - Oliver Mtukudzi



Vakuruwe pindirai imi
(Pindirai)
Vakuruwe pindirai imi
(Pindirai)
Madzimambo we Pindirai
(Pindirai)
Mhuri yenyu yapererwa neruzivo
Vana vedu, kupererwa nenjere (pindirai)
Mhuri yenyu yapererwa neruzivo
Vana vedu, kupererwa nenjere (pindirai)
(Pindirai)
Vakuruwe, pindirai imi (pindirai)
Vakuruwe, pindirai
(Pindirai)
Hatichina mibvuri, hatichina mapango
Duhwino hatichina, hove hatichina
Raiva dziva rava zambuko
Raiva dziva rava zambuko
Aiva madziva ava mazambuko (pindirai)
Raiva dziva rava zambuko
Raiva dziva rava zambuko
Aiva madziva ava mazambuko (pindirai)
Vanotema miti vasina ruzivo
Vagovhiya chidembo vamire kumhepo
Kusvipira mutsime (pindirai)
Vanotema miti vasina ruzivo
Vagovhiya chidembo vamire kumhepo
Kusvipira mutsime (pindirai)
Kutsvairira munzizi segomba ramarara
Votora marara kuunganidza muberere (berere, berere)
(Pindirai)
Kutsvairira munzizi segomba ramarara
Votora marara kuunganidza muberere (berere, berere)
(Pindirai)
Vakuruwe, pindirai
(Pindirai)
Vakuruwe, pindirai imi
(Pindirai)
Tatadza kuchengeta masango
Kutadza kuchengeta nzizi
Mhepo yekufema yangova hutsi
Kusvipira mutsime (pindirai)
Tatadza kuchengeta masango
Kutadza kuchengeta nzizi
Mhepo yekufema yangova hutsi
Kusvipira mutsime (pindirai)
Vakuruwe, pindirai
(Pindirai)
Vakuruwe, pindirai
(Pindirai)
Kutsvairira munzizi segomba ramarara
Votora marara kuunganidza muberere (berere, berere)
(Pindirai)
Kutsvairira munzizi segomba ramarara
Votora marara kuunganidza muberere (berere, berere)
(Pindirai)
Hatichina mibvuri, hatichina mapango
Duhwino hatichina, hove hatichina
Raiva dziva rava zambuko
Raiva dziva rava zambuko
Aiva madziva ava mazambuko (pindirai)
Raiva dziva rava zambuko
Raiva dziva rava zambuko
Aiva madziva ava mazambuko (pindirai)
Raiva dziva rava zambuko
Raiva dziva rava zambuko
Aiva madziva ava mazambuko (pindirai)
Raiva dziva rava zambuko
Raiva dziva rava zambuko
Aiva madziva ava mazambuko (pindirai)
Raiva dziva rava zambuko
Raiva dziva rava zambuko
Aiva madziva ava mazambuko (pindirai)
Raiva dziva (raiva dziva) rava zambuko
Raiva dziva rava zambuko
Aiva madziva ava mazambuko (pindirai)




Oliver Mtukudzi - Nhava
Album Nhava
date of release
25-10-2004




Attention! Feel free to leave feedback.