Jah Prayzah - Chigunduru текст песни

Текст песни Chigunduru - Jah Prayzah



Hakusi kuda kwangu varume kuita Chigunduru
Moyo wangu waitodawo kuti nditechingwindiri
Ndikasvika pavanodyira voti suduru suduru
Ndomira kwangu ndega ndoringa ndobuda masiriri
Pandinoti nditange kufunga nemisodzi chururu
Handini hanzu, mochena moyo kuti mbu.
Ndachuruchachu, ndachurucha kumachuru
Ndakudubudza musaki Mwari wangu.
Amai ndarumwa nenhamo sechikwekwe (ndokwenya)
Chanditi nganga ndakwenya sechikwekwe (ndokwenya)
Mukoma ndarumwa kwenyakwenya sechikwekwe (ndokwenya)
Chanditi nganga ndakwenya sechikwekwe (ndokwenya)
Tinoraramiswa nevamwe vanetsiye nyoro.
Vanotambanudza maoko zvinyoronyoro
Tinoraramiswa nevamwe vanetsiye nyoro.
Vanotambanudza maoko zvinyoronyoro.
Murombo musandizonde (iya hoye iyaho)
Nemakonye ininhonge (iya honde ya)
Remangwana ungarironge (iya honde iyaho)
Rinofuma roti nyonde. (iya hoye ya)
Murisei kumaboss ndikati murimajita
Chii changu chandinacho
Chimwe chete ringorizita
Handina changu (changu)
(Handina) changu chandinoti ndechedikita.
Handina changu (changu)
(Handina) changu chandinoti ndechedikita
Amai ndarumwa nenhamo sechikwekwe (ndokwenya)
Chanditi nganga ndakwenya sechikwekwe (ndokwenya)
Mukoma ndarumwa kwenyakwenya sechikwekwe (ndokwenya)
Chanditi nganga ndakwenya sechikwekwe (ndokwenya)
Tinoraramiswa nevamwe vanetsiye nyoro.
Vanotambanudza maoko zvinyoronyoro
Tinoraramiswa nevamwe vanetsiye nyoro.
Vanotambanudza maoko zvinyoronyoro
Handisi Mwari ndirimunhu handidzinge hurombo.
Zvimwe Baba kana Mai vakaenda nehondo.
Kugara pasi kutambarara kutudzira hurombo.
Hupenyu hwacho hwakaoma sekupira (chegumo?)
Haaa mhondoro dzichaburutsa humambo
Haaa zororo riripamusoro pechikomo.
Haaa mhondoro dzichaburutsa humambo
Haaa zororo riripamusoro pechikomo.
Amai ndarumwa nenhamo sechikwekwe (ndokwenya)
Chanditi nganga ndakwenya sechikwekwe (ndokwenya)
Mukoma ndarumwa kwenyakwenya sechikwekwe (ndokwenya)
Chanditi nganga ndakwenya sechikwekwe (ndokwenya)
Tinoraramiswa nevamwe vanetsiye nyoro.
Vanotambanudza maoko zvinyoronyoro.
Tinoraramiswa nevamwe vanetsiye nyoro.
Vanotambanudza maoko zvinyoronyoro.
Ndoitahuma ndikupfeke
Ndicho chipfeko chimwe chete
Chii chaita ndidzengerere
Ko seiko ndisinganyemwerere
Ndoitahuma ndikupfeke
Ndicho chipfeko chimwe chete
Chii chaita ndidzengerere
Ko seiko ndisinganyemwerere




Jah Prayzah - Chitubu
Альбом Chitubu
дата релиза
03-11-2018




Внимание! Не стесняйтесь оставлять отзывы.