Jah Prayzah - Kune Rima Lyrics

Lyrics Kune Rima - Jah Prayzah



Inzwai ngoma mudiwa jika
Inga waiti ndozvawaida
Chibata hana yangu moyo kuti ga
Dai wamira kureva nhema
Usandibatise manhenga
Usandiringe handichagona
Ndakakuona urere
Muhope ndirere
Ndakakuti unondida here
Dia rambe unyerere
Ndakakuona urere
Muhope ndirere
Ndakati unondida here
Dia rambe unyerere
Dia mhanya nemwenje (ah kune rima)
Rima ringatimedze (ah kune rima)
Dia mhanya nemwenje (ah kune rima)
Moyo wangu usaudonhedze (ah kune rima)
Dia mhanya nemwenje (ah kune rima)
Rima ringatimedze (ah kune rima)
Dia mhanya nemwenje (ah kune rima)
Moyo wangu usaudonhedze (ah kune rima)
Ndauraya munhu nerudo andipa ngozi
Mukoma gomba iro
Musanditongere rufu inzwai ngoni
Kumaziva ndadzoka
Ndauraya munhu nerudo andipa ngozi
Ndotetereka
Musanditongere rufu inzwai ngoni
Muchaona ndadzoka
Ndauraya munhu nerudo andipa ngozi
Kunzwa kuda kunzwa kudanana
Musanditongere rufu inzwai ngoni
Nda ndi nda ndakakakama
Ndauraya munhu nerudo andipa ngozi
Akauya sechipo
Musanditongere rufu inzwai ngoni
Chipo cherudo
Dzinde randasima ndicharidiridzira
Richatumbukira guva riye
Sango remasango tichayambuka dziva tichiterera shiri dziye
Dzinde randasima ndicharidiridzira
Richatumbukira guva riye
Sango remasango tichayambuka dziva tichiterera shiri dziye
Ndibudire ndibudire
Ndibudire pachena ndizive
Ndishaure ndishaurewo
Ndishaure udaire karwiyo
Ndibudire ndibudire
Ndibudire pachena ndizivewo
Ndishaure ndishaure
Ndishaure udaire karwiyo
Dia mhanya nemwenje (ah kune rima kwadzima)
Rima ringatimedze (ah kune rima kwadzima)
Dia mhanya nemwenje (ah kune rima kwadzima)
Moyo wangu usaudonhedze (ah kune rima)
Dia mhanya nemwenje (ah kune rima)
Rima ringatimedze (ah kune rima)
Dia mhanya nemwenje (ah kune rima kwadzima)
Moyo wangu usaudonhedze (ah kune rima)




Jah Prayzah - Chitubu
Album Chitubu
date of release
03-11-2018




Attention! Feel free to leave feedback.