Trevor Dongo - Rega Zviende Lyrics

Lyrics Rega Zviende - Trevor Dongo



Waenda, waendepiko ×2
Rudo rwaenda rwaendepiko?
Yeah, Trevor D
Paunocheukawo shure,
Dzamisa pfungwa uzvifunge
Rudo ruye rwamaipanana pazere vanhu,
Rwaenda asi hamuzive, rwaendepiko?
Inga zvaidadisawo wani,
Vanhu vachikuyevai wani paya,
Saka ndepapiko pamakairasa imi nhai.
Aenda asi hauzive aendepiko.
Saka rega zviende,
Moyo chaunoda rudo chete,
Waiti zvichachinja asi kwete.
Hazvidi zvetsinga,
Kana ariwako achadzoka chete.
Zviri kuita kunge zuro paya,
Pamaiita kunge solo na Mutsai,
Asi sei zvazodai, chanyanyonetsa chiiko nhai?
Rudo rwaenda asi hamuzive, rwaendepiko?
Nguva chinhu chakanaka, kuratidza shungu sekuti zvinhu zvinake.
Asi pane paunoti ini ndaneta.
Rudo chinhu chakanaka, ratidzawo shungu shungu shungu iwe.
Kana zvaramba usamanikidze iwe siya.
Saka rega zviende,
Moyo chaunoda rudo chete.
Waiti zvichachinja asi kwete.
Hazvidi chitsinga
Kana ariwako achadzoka chete.×3
Kana zvaramba iwe siya, zviende
Moyo chaunoda rudo chete
Waiti zvichachinja seiko, seiko
Ooohh, yeaah
Inga zvaidadisawo wani
Vanhu vachikuyevai wani paya
Saka ndepapiko pamakairasa imi nhai
Aenda asi hauzive, aendepiko.



Writer(s): Macdonald Chidavaenzi, Trevor Dongo


Trevor Dongo - Beyond
Album Beyond
date of release
31-01-2017




Attention! Feel free to leave feedback.