Jah Prayzah - Ndichiyamwa текст песни

Текст песни Ndichiyamwa - Jah Prayzah



Wagwizi
Ah ha-ha
Ayo Lizer
Baba
Vakarovera kumaruva
Mama
Ndokuchonera marimuka
Hupenyu hwacho hwakasara hwaita manyama amire nerongo
Ohh mama
Makandisiya ndichiyamwa
Hupenyu hwacho hwakasara hwaita manyama amire nerongo
Ohh mama
Makandisiya ndichiyamwa
Shoko rimwero randoshuva ripinde munzeve
Dzenyu
Ndopunyaira ndotsumwaira
Ndanga ndiri parukunguhwe
Nemusumbu wenzimbe
Nekatsapo kangu kematohwe
Ndakamirira shungu we
Ndanga ndiri parukunguhwe
Nemusumbu wenzimbe
Nekatsapo kangu kematohwe
Ndakamirira shungu we
Rudo rwamai
Ndorwuonera kumaroto
Rudo rwamai
Inga rwakakurisa kudarika muganhu
Rudo rwamai
Ndorwuonera kumaroto
Rudo rwamai
Inga rwakakurisa kudarika muganhu
Hupenyu hwacho hwakasara hwaita manyama amire nerongo
Ohh mama
Makandisiya ndichiyamwa
Hupenyu hwacho hwakasara hwaita manyama amire nerongo
Ohh mama
Makandisiya ndichiyamwa
Kana tsamba zvayo
Kuti gwendo gwangu gwagugwa
Ndichauya mangwana
Ini rindire guyo sembwa
Makanoita chichoni kachana
Mukuwomoka
Mukurota
Ndichishuvira kuwona minana
Ini rindire guyo sembwa
Makanoita chichoni
Ndanga ndiri parukunguhwe
Nemusumbu wenzimbe
Nekatsapo kangu kematohwe
Ndakamirira shungu we
Ndanga ndiri parukunguhwe
Nemusumbu wenzimbe
Nekatsapo kangu kematohwe
Ndakamirira shungu we
Rudo rwamai
Ndorwuonera kumaroto
Rudo rwamai
Inga rwakakurisa kudarika muganhu
Rudo rwamai
Ndorwuonera kumaroto
Rudo rwamai
Inga rwakakurisa kudarika muganhu
Hupenyu hwacho hwakasara hwaita manyama amire nerongo
Ohh mama
Makandisiya ndichiyamwa
Hupenyu hwacho hwakasara hwaita manyama amire nerongo
Ohh mama
Makandisiya ndichiyamwa



Авторы: Mukudzeyi Mukombe


Jah Prayzah - Gwara
Альбом Gwara
дата релиза
09-07-2021




Внимание! Не стесняйтесь оставлять отзывы.