Jah Prayzah - Humhandara текст песни

Текст песни Humhandara - Jah Prayzah



Usazovata sedahwa
Kana kusvetuka ruzhowa
Unongokumbirawo kundiso
Shiri yakangwara inorambiramo
Mudendere Shamiso
Usarivara mwanasikana
Ukangodaro toti zvaringana
Wapona wagona
Ukaita chingwendere chemashanga
Vanokubata vokusiya vokangwana
Chakachenjedza ndicho chakatanga
Usangomhanyira kubuda munhanga
Mudendere Shamiso
Usarivara mwanasikana
Ukangodaro toti zvaringana
Wapona wagona
Ndakakurumura pakuyamwa
Ndakakurumura pakuyamwa
Kunze kwekunge ari mahumbwe
Hakuna mwana anoita mai
Woratidza kukosha kwehumhandara
Toti hoooo-o
Urishasha uchirimwana
Kunyangwe zvazvo
Ndakakurumura pakuyamwa
Humhandara idamba kwamwe
Nokudaro kudzikama
Ndiyo nzira imwe
Takabva neko
Kare kare
Mwanangu muzivi wenzira
Yeparuware ndiye mufambi wayo
Mangwana
Tichazosairira semombe
Mangwana
Uchava chimhandara sevamwe
Mangwana
Pauchagona kuzvirongera wega
Mangwana
Wapona wagona
Mangwana
Handingazofara kukandira mhodzi
Paruvare pasingakudze rudzi
Wandakabara ndiye wandipa misodzi
Kuyambuka
Inzira ibodzi
Haungazofara here kunzi nyeredzi
Inovhenekera marudzi ne ndudzi
Wagona wapona
Ndakakurumura pakuyamwa
Ndakakurumura pakuyamwa
Kunze kwekunge ari mahumbwe
Hakuna mwana anoita mai
Woratidza kukosha kwehumhandara
Toti hoooo-o
Urishasha uchirimwana
Kunyangwe zvazvo
Ndakakurumura pakuyamwa
Humhandara idamba kwamwe
Nokudaro kudzikama
Ndiyo nzira imwe
Takabva neko
Kare kare
Mwanangu muzivi wenzira
Yeparuware ndiye mufambi wayo



Авторы: Mukudzeyi Mukombe


Jah Prayzah - Gwara
Альбом Gwara
дата релиза
09-07-2021




Внимание! Не стесняйтесь оставлять отзывы.