Oliver Mtukudzi - Ungamugone paroles de chanson

paroles de chanson Ungamugone - Oliver Mtukudzi



Nhai munhu akaita sei
Munhu wakaita sei
Nhai munhu akaita sei
Munhu wakasikwa sei
Iwewe munhu wenyama
Nhai munhu akaita sei
Munhu wakaita sei
Munhu wenyama
Nhai munhu akaita sei
Munhu wakasikwa sei
Munhu kusada kutongekwa pane chakashata
Ungamugone iwe
Akaita sei
Munhu kusada kutongekwa pane chakaipa
Ungamugone iwe
Akasikwa sei
Iye chakashata chacho achichida achichigona
Ungamugone iwe
Akaita sei
Hona chakaipa chacho kuchida
Ende achichiita
Ungamugone iwe
Akasikwa sei
Iwewe munhu wenyama
Nhai munhu akaita sei
Munhu wakaita sei
Iye munhu wenyama
Nhai munhu akaita sei
Munhu wakasikwa sei
Huroyi huroyi huroyi
Kuroya nemoyo wose
Huroyi sei kuvanza
Budaka pachena
Ruvengo ruvengo ruvengo
Kuvenga nemoyo wose
Ruvengo sei kuhwanda
Budaka pachena
Munhu haungamugoni
Anovenga chakanaka chakanaka
Munhu haungamukwanise
Anosema chakanaka
Chakanaka (chakanaka) chakanaka
Munhu haungamugoni
Anovenga chakanaka
Chakanaka (chakanaka) chakanakisisa
Munhu haungamukwanise
Anosema chakanaka
Chakanaka (chakanaka) chakanakisisa hoye
Nhai munhu akaita sei
Munhu wakaita sei
Nhai munhu akaita sei
Munhu wakasikwa sei
Kumuitira chakanaka
Hadi kuchiona sechakanaka
Ungamugone iwe
Akaita sei
Homupa sechakadai
Anoti anoda chakadai
Ungamugone iwe
Akasikwa sei
Homuitira chakanaka
Hadi kuchiona sechakanaka
Ungamugone iwe
Akaita sei
Homupa sechakadai
Anoti dai chaita chakadai
Ungamugone iwe
Akasikwa sei
Iwe iwe munhu wenyama
Nhai munhu akaita sei
Munhu wakaita sei
Iwe munhu wenyama
Nhai munhu akaita sei
Hhmmm (munhu wakasikwa sei)
Huroyi huroyi huroyi
Kuriya nemoyo wose
Huroyi sei kuhwanda
Budaka pachena
Ruvengo ruvengo ruvengo
Kuvenga nemoyo wose
Ruvengo sei kunyara
Budaka pachena
Hhmm pachena
Oohh budaka pachena
Hiya hoo



Writer(s): Mtukudzi Oliver Dairai


Oliver Mtukudzi - Tsivo
Album Tsivo
date de sortie
05-05-2003




Attention! N'hésitez pas à laisser des commentaires.