Jah Prayzah - Munyaradzi текст песни

Текст песни Munyaradzi - Jah Prayzah



Hee chiriyo dzamara tasangana
Wandigumbura, wandigumbura
Wandigumbura, wandigumbura
Ndizvozvo dzamara tasangana
Wandigumbura, wandigumbura
Wandigumbura, wandigumbura
Ipapo pandaigara
Ipapo dhiya ndipo pawaigarawo
Ipapo pataivata
Dzimwe nguva tairumwa nemarize
Zviri mberi
Taingobvunza Mwari
Mutemberi
Kumberi kunei?
Kunyangwe mvura yekutambudzika
Payaidzika nematama ndaivepo
Kuva munyaradzi
Ndini ndaive munyaradzi
Kuva munyaradzi
Ndini ndaive munyaradzi
Akazondisiya ndirimo munhamo ndega
Tokonyana, tanga tatokonyana
Ko seiko Mwendamberi mayaura mega?
Takonana, tanga tatokonana
Ndakamuti chiriyo, tosangana mberiyo
Takanyana, tanga tatokanyana
Homwe yakazosara yozara nemazana
Tapokana, tanga tatopokana
Asi watokanganwa kamhepo kaitirova muchando?
Gumbeze rimwe chete rawaiziva ndini wako
Wakambotsva maoko nekapoto kasina mubato
Mbuya yakakurapa takaiwana tafamba chinhambo
Inga watovaraidzwa nemaruva semavara eshato
Dai ndaive nemari nguva yacho, ndaingoronga muchato
Vaizongotiona tapota nesango
Dai ndaiva nemari nguva yacho, ndaingoronga muchato
Vaizongotiona tapota nesango
Paizouya mhepo ndini ndaive bako
Kunyangwe mvura yekutambudzika
Payaidzika nematama ndaivepo
Kuva munyaradzi
Ndini ndaive munyaradzi
Kuva munyaradzi
Ndini ndaive Munyaradzi
Akazondisiya ndirimo munhamo ndega
Tokonyana, tanga tatokonyana
Ko seiko Mwendamberi mayaura mega?
Takonana, tanga tatokonana
Ndakamuti chiriyo, tosangana mberiyo
Takanyana, tanga tatokanyana
Homwe yakazosara yozara nemazana
Tapokana, tanga tatopokana
Haiwa hurombo mukoma, ndainge ndakashoreka
Asi muhana tainge tavaka hukama
Ndoyedza kuvata wanike kwayedza
Varume ko inga kwachena
Asi handina chiedza
Zvese zviye, zvese zviye
Kwaingova kutungana kwembudzi varume
Anouya kuhope ndirere
Hope dzacho ndedzerume rudzi varume
Zvese zviye, zvese zviye (here zvaguma)
Kwaingove kutungana kwembudzi varume (here zvapera)
Anouya kuhope ndirere (zvaguma)
Hope dzacho ndedzerume rudzi varume (here zvapera)



Авторы: Mukudzeyi Mukombe


Jah Prayzah - Hokoyo
Альбом Hokoyo
дата релиза
19-05-2020




Внимание! Не стесняйтесь оставлять отзывы.