Jah Prayzah - Mukwasha текст песни

Текст песни Mukwasha - Jah Prayzah



Kumura nguwane
Pfugama nebvi rimwechete wotorova gusvu mukwasha
Denga riye rakatinhira
Tirikuda mbeu neanorima
Wotoona yekutamba mukwasha
Aah wondimutsa nemutupo
Gara wangoziva kuti ndozviripo
Kana zvakunetsa mwana wangu dzora mukwasha
Uchatenga mombe, uchabaya uchavhiya
Uchapura nyemba uchadzura nzungu dziya
Ende baba vati vanoda madhorofiya
Wotomhanya musango mukwasha
Pane andibira pombi yemvura
Kana zondo rangu randanga ndabvura
Vanhu vese vati bvunzai mukwasha
Pakati pevanhu vese varipo
Ndiyani watigarira kumhepo
Zvakungonzi bvunzai mukwasha
Ndirikunzwa kuda kurova munhu
Ndirikunzwa kuda kubata munhu
Rega ndimbokurova mkwasha
Zvandapfura neuta
Inga ndakubatirai gwaya
Ndikamora mukoko wangu
Uchi usina mazana
Zvandapfura neuta
Inga ndakubatirai gwaya
Ndikamora mukoko wani
Uchi usina mazana
Sheri yacho sheri ooh yamakandipa imhenya yemwana
Nyangwe zvikarema ndoita nharo dzaMalema
Sheri yacho sheri ooh yamakandipa imhenya yemwana
Nyangwe zvikarema ndoita nharo dzaMalema
Mukwasha jongwe iro
Muchamhanya naro kusvikira maribata
Madzimbuya voda saga remagaka
Changamire vati vanoda hari mukwasha
Zino rakawora muchando rinobanda
Handina mari yekudzurisa kani mukwasha
Rakatemwa nyora kare neimwe n'anga
Vatezvara vako nharo vanodzikaka
Tungamira mombe tirime mukwasha Asambeni famba nendima
(Asambeni famba nendima)
Tsemura danda uratidze hukwasha
Asambeni famba nendima
(Asambeni famba nendima)
Tibatire foro tirime mukwasha
Asambeni famba nendima
(Asambeni famba nendima)
Kutakura danda ndokuti mukwasha
Asambeni famba nendima (Asambeni famba nendima)
Zvandapfura nekuta
Inga ndakubatirai gwaya
Ndikamora mukoko wani
Uchi husina mazana
Zvandapfura nekuta
Inga ndakubatirai gwaya
Ndikamora mukoko wani
Uchi husina mazana
Sheri yacho Sheri ooh yamakandipa imhenya yemwana
Nyangwe zvikarema ndoita nharo dzaMalema
Sheri yacho sheri ooh yamakandipa imhenya yemwana
Nyangwe zvikarema ndoita nharo dzaMalema
Pamoyo pamoyo ndipo paugere
Munzira yerudo tichafamba nemo nemo
Zororo remoyo wangu ndiwe unogaramo
Madzoro erudo anotumwa munhu here
Akatema muonde akadena
(Akatema muonde akadena)
Zvakanaka chiombe zvakanaka (Zvakanaka chiombe zvakanaka)
Akatema muonde akadena
(Akatema muonde akadena)
Zvakanaka chiombe zvakanaka (Zvakanaka chiombe zvakanaka)



Авторы: Mukudzeyi Mukombe


Jah Prayzah - Hokoyo
Альбом Hokoyo
дата релиза
19-05-2020




Внимание! Не стесняйтесь оставлять отзывы.