Winky D - Sekai текст песни

Текст песни Sekai - Winky D

Vana Sekai kai kai sekai
Imi vana Sekai
Vana Sekai kai
Muri sei vana Sekai?
Aihwa kuno kuri nani?
Patinoshanda zviite nani
Munozvitora fanike funny
Aihwa iwa iwa
Vanorova chikwee
Vachiti ini handinzwe
Ndinongokwata Ishe
Wenyama handitye
Ndoita zvine chinangwa
Hezvo ndini ndonangwa
Hupenyu hwatinorarama itsoro yezvishandwa
Zviri nani ndisekwe, ndichironga ramangwana
Zviri nani ndisekwe, ndichiumba ramangwana
Sekai sekai, haa ini handingumbuke
Sekai sekai, haa ini handivhunduke
Vamwe kuseka zvekuti ndiore moyo ndisamhanye nechinagwa changu
But handinete ndosimba ndichienda handibvise maziso pachikwama changu
Ndiri pakuita zvine shanduko muhupenyu handicheuke munhu mupenyu
Jusa chese chandabata havamire kutaura ndinoti ndezvenyu
Zviri nani ndisekwe, ndichironga ramangwana
Zviri nani ndisekwe, ndichiumba ramangwana
Sekai sekai, haa ini handingumbuke
Sekai sekai, haa ini handivhunduke
Chenjera vachakusekera uchiisa hupenyu mudondo
Pane vachakubvisa murunyararo vonokuisa muhondo
Ini ishuwiro yangu yekubata rakachena zvimwe bodo
Chiseko chanhasi chine humambo ramangwana tinosanga ikoko
Zviri nani ndisekwe, ndichironga ramangwana
Zviri nani ndisekwe, ndichiumba ramangwana
Sekai sekai, haa ini handingumbuke
Sekai sekai, haa ini handivhunduke
Vanorova chikwee
Vachiti ini handinzwe
Ndinongokwata Ishe
Wenyama handitye
Ndoita zvine chinangwa
Hezvo ndini ndonangwa
Hupenyu hwatinorarama itsoro yezvishandwa
Zviri nani ndisekwe, ndichironga ramangwana
Zviri nani ndisekwe, ndichiumba ramangwana
Sekai sekai, haa ini handingumbuke
Sekai sekai, haa ini handivhunduke
Zviri nani ndisekwe, ndichironga ramangwana
Zviri nani ndisekwe, ndichiumba ramangwana
Sekai sekai, haa ini handingumbuke
Sekai sekai, haa ini handivhunduke

Авторы: Tawanda Sibotshiwe, Wallace Chirumiko

Winky D - Njema
Альбом Njema
дата релиза
31-12-2019

Внимание! Не стесняйтесь оставлять отзывы.