Winky D - Amai текст песни

Текст песни Amai - Winky D

Gafa (Gafa)
Gafa (Gafa)
Gafa (Gafa)
Iwe Oskid!
Mira kutukisa mai, haikona kutukisa mai
Mira kutukisa mai, haikona kutukisa mai
Chekutanga kudya chandakaisa mukanwa ndimi makapakura
Kunyangwe mwedzi mipfumbamwe ichiri mimba ndimi makatakura
Asi nhasi tabve zera
Tava kubuda mugwara ratakaratidzwa nevacho vakatirera (ayaya)
Makandifundisa yese mirairo kubvira ndiri mwana
Mukati patience dzine mubairo kubvira ndiri mwana
Misikanzwa yandinoita yese zva zvemusoro wangu
Ku cheater kwandoita vana vevanhu zva zvemusoro wangu (mhamha)
Pandinokaganisa kunze uko ruregerero ndimi munotukwa
Ndakumbira muri vapenyu mukadzokera kuivhu munopfuka
Haranga dzandafambidzana nadzo dzose dzogaya kuti munoshupa
Nekuda kwehunhu wandinomboita hobho vari kunyunyuta
Vanoona imi pandiri (pandiri mhamha)
Vogaira ndizvo zvamuri (zvamuri mhamha)
Mira kutukisa mai, haikona kutukisa mai
Mira kutukisa mai, haikona kutukisa mai
Makandifundisa yese mirairo kubvira ndiri mwana
Mukati patience dzine mubairo kubvira ndiri mwana
Misikanzwa yandinoita yese zva zvemusoro wangu
Ku cheater kwandoita vana vevanhu zva zvemusoro wangu (mhamha)
Dzimwe nguva ndinoshaiwa rukudzo kunyangwe kune vanhu vakuru
Ndakadembedza bhurukwa zvitanda munzeve ndichizviidza bhuru
Ndichiti hakuna anonditsiura
Pakuziva hakuna anondipfuura
Ndichiti ichiripo nguva
Kusaziva ndiri kuzvicherera guva
Vari kugunun′una nemuzita ramai vati haana kurairwa
Ini ndatsvaga pakatadza amai pakurera vana ndapashaiwa
Mira kutukisa mai, haikona kutukisa mai
Mira kutukisa mai, haikona kutukisa mai
Makandifundisa yese mirairo kubvira ndiri mwana
Mukati patience dzine mubairo kubvira ndiri mwana
Misikanzwa yandinoita yese zva zvemusoro wangu
Ku cheater kwandoita vana vevanhu zva zvemusoro wangu (mhamha)
Mira kutukisa mai, haikona kutukisa mai
Mira kutukisa mai, haikona kutukisa mai

Авторы: Wallace Chirumiko

Winky D - Njema
Альбом Njema
дата релиза
31-12-2019

Внимание! Не стесняйтесь оставлять отзывы.