Winky D - Mangerengere текст песни

Текст песни Mangerengere - Winky D



Hona Oskid
Gafa zvekare
Chakaendepiko chinyakare?
Hero madzichangamire hero
Isu zvatishungurudza
Hero madzichangamire hero
Imi dai maritambanudza
Imi vakuru woye
Gadzirai ramangwana revana
Ndati vakuru woye
Gadzirai ramangwana revana
Haridi makwati kuritambanudza
Ramangwana revana
Haridi hurombwa kuritambanudza
Ramangwana revana
Tese takunge mangerengere tsika dzemangerengere
Regai tidzengerere
Ita kunge mangerengere tsika dzemangerengere
Regai tidzengerere
Tiri kuchema nhamo tiri kuchema hurwere
Takumbira tipei nhoroondo yedzinza izere
Tarisai wetsvimbo makore aenda asi achingori mugota
Vakuwasha vodzosa vanasikana hanzi gupuro tichazopa
Tazama zvese zvese
Tabata chino ichi hakuna chabuda
Tinenge titi pamurango
Vana vodzingaira nemumasango kutsvaga chouviri hakuna mushando
Wanike vana baba makayeva
Asi muri kuziva nhoroondo (asi muri kuziva nhoroondo)
Imi vana baba asi muri kuziva nhoroondo
Regai tinopira mhondoro
Imi vakuru woye
Gadzirai ramangwana revana
Ndati vakuru woye
Gadzirai ramangwana revana
Haridi makwati kuritambanudza
Ramangwana revana
Haridi hurombwa kuritambanudza
Ramangwana revana
Tese takunge mangerengere tsika dzemangerengere
Regai tidzengerere
Ita kunge mangerengere tsika dzemangerengere
Regai tidzengerere
Misha takuita yekunosiya zvitunha
Tese tawandira muchidhuna
Hakuna dova, hakuchanaye, hakuchapfunha
Iwo makombwe hakuna achasuma
Tichimonya zvigururu hakuna achayeuka madzitateguru
Zvimwe chete zvakanetsa madzitete zvopota kuvazukuru
Makabvisa here mombe yehumai?
Ndozvimwe zvinokonzeresa kuti vana tigodai
Wanike vana baba makayeva
Asi muri kuziva nhoroondo (asi muri kuziva nhoroondo)
Imi vana baba asi muri kuziva nhoroondo
Regai tinopira mhondoro
Imi vakuru woye
Gadzirai ramangwana revana
Ndati vakuru woye
Gadzirai ramangwana revana
Haridi makwati kuritambanudza
Ramangwana revana
Haridi hurombwa kuritambanudza
Ramangwana revana
Tese takunge mangerengere tsika dzemangerengere
Regai tidzengerere
Ita kunge mangerengere tsika dzemangerengere
Regai tidzengerere...



Авторы: Wallace Chirumiko


Winky D - Njema
Альбом Njema
дата релиза
31-12-2019




Внимание! Не стесняйтесь оставлять отзывы.