Winky D - Ijipita текст песни

Текст песни Ijipita - Winky D



Gafa Gafa
Gafa zvakare
Jussa
Pandinomuka mangwanani
Ndinozvitarisa pagirazi
Hakuna Ini arinani
Mangwana ngaasiyane nanhasi
Kutsvaga manake
Kuti mhuri irarame
Aihwa arisi dambe
Ndatemba tsoka rega ndifambe
Bvisai Rima pamberi pangu
Isai chiyedza ndifambe zvangu
Hupenyu ndishande hwangu
Ndakanda nhano ndabvisa shangu
Ijipita, Ijipita
Ijipita, Ijipita
Bhabhai ndakukanda nhano
Canaan tapinda tapinda
Ijipita, Ijipita
Ijipita, Ijipita
Bhabhai ndakukanda nhano
Canaan tapinda tapinda
Tavakusiya musha kufamba mamaira
Vakomana kuchikaira
Tavhunza zvirimberi hakuna adaira
Totungamirwa nepasi ndipe nhekwe Iya
Zvinodzimba asi rega ndireve
Ukasadikitira hauseve
Tavakutsvaga zvakafa zvega kuvhima kweasina uta nemuseve
Ndoenda ndoenda
Ndoenda ndega kusina mhai
Ndoenda ndoenda
Handina mufudzi ndingori hwai
Bvisai Rima pamberi pangu
Isai chiyedza ndifambe zvangu
Hupenyu ndishande hwangu
Ndakanda nhano ndabvisa shangu
Ijipita, Ijipita
Ijipita, Ijipita
Bhabhai ndakukakunda nhano
Canaan tapinda tapinda
Ijipita, Ijipita
Ijipita, Ijipita
Bhabhai ndakukanda nhano
Canaan tapinda tapinda
Hupenyu makata
Hausi mutserendende
Ukaramba wakavata
Ndiyani achavhara vende
Pane vamwe chingomira mira
Kumavave kwavano mwira mwira
Panganai Zano monoteya Riva
Ndafunga kuyambuka Ini ndobira dziva
Ndoenda ndoenda
Ndoenda ndega kusina mhai
Ndoenda ndoenda
Handina mufudzi ndingori hwai
Bvisai Rima pamberi pangu
Isai chiyedza ndifambe zvangu
Hupenyu ndishande hwangu
Ndakanda nhano ndabvisa shangu
Ijipita, Ijipita
Ijipita, Ijipita
Bhabhai ndakakunda nhano
Canaan tapinda tapinda
Ijipita, Ijipita
Ijipita, Ijipita
Bhabhai ndakukanda nhano
Canaan tapinda tapinda
Ndapinda Canaan
Kupinda ini ndapinda Canaan
Ndapinda Canaan
Haiwa Ini ndapinda.



Авторы: Tawanda Sibotshiwe, Wallace Chirumiko


Winky D - Njema
Альбом Njema
дата релиза
31-12-2019




Внимание! Не стесняйтесь оставлять отзывы.